Dataset Viewer
Auto-converted to Parquet Duplicate
transcription
stringlengths
19
479
speaker_id
stringclasses
130 values
audio
audioduration (s)
0.98
35.6
Varume vaviri vari kukandirana bhora. Varume ava vakapfeka zvipika zvine ruvara rutema neruchena. Zvikabudura zvine ruvara rutema. Bhora ravanokandirana rine ruvara rweyero neruchena nerwebhuruu. Vari kutambira munhandare ine ivhu. Kumashure kwavo kwakagara vanhu.
2Eud8lyLlsMcciYhmlkwVRtBwi82
Pazambara riripedyo nemugwagwa. Pazambara apa pane ivhu rejecha. Pazambara ipapo pamberi panenzira panofamba motokari. Panemotokari mbiri uye munhu aripamusika.
QSKgFLvfxbf0LRdS3IF6tYUWtkp2
Chitoro chinotengesa zvinhu zvamagitare zvekuridza.Mune munhu wechirume akabereka bheke ari mutema akafuratira.Mune magitare emhando dzakasiyana siyana akaturikwa mudenga.Mamwe ane ruvara ruchena nerutema.Mamwe ane ruvara ruchena neruvara rweorenji.
3TJZHIth5tY646wZREH7LVRhqhD2
Zvinhu zvinoratidza chivanhu chevanhu vemuZimbabwe zvakaiswa pasi.Pane katswanda karipo kakaiswa zvinhu zvinenge zvishinda zvichena.Koitawo kamwe kakagadzirwa sekaturi.Kakagadzirwa nezvimasaga nezvitsanga.Poitawo chisero chiripo.Pane zvakare hari yakaita zvekuumbwa nebwe ine ruvara rutema.Zvinhu izvi zvinogona kushandiswa kuisa michero uye kurongedzerawo zvinhu pane vanhu vanenge vachiita zvekurapa zven'anga.
2Q9Qx8uHQ5VAkWNdgqd7mVEeE2u1
Chikasha chehozhwa chiri pasi chiri pauriri rune ruvara rwebhurauni. Uye hazvizivikanwi kuti mune hozhwa here kana kuti yakafa kare. Chiri pedyo nepamwe pakasvibira. Uyewo hozhwa dzinoziikanwa nekupa vanhu chirwere chekuti kana vachirasa mvura inge ine ropa.
x78Xo9rvJUaWam0JDzmvkIufFHp1
Muchero wemukotapeya. Pane maviri ari kunyatsoonekwa zvakanaka. Mashizha awo ari girini. Vanhu vanoisa makotapeya pachingwa vamwe vanoadya akadaro.
x78Xo9rvJUaWam0JDzmvkIufFHp1
Vanhu varikufamba panzvimbo inoita zvekutengeserwa zvinhu zvakawanda zvinosanganisira chikafu. Vamwe vevanhu vakagara pasi ñekuti ndivo vane misika iripo. Vakagara vakaronga misika yavo kumberi kwemudhurí une ruwara rwe bhurauni.
CZQ37aLaUZfNpliatFqfC42MBUC3
Rori huru ine musoro muchena nekumasure kutema. Rori iyi inoratidza kuti inonyanya kushanda kuma maini kuya kunocherwa zvicherwa uye inokwanisa kuzvitutunura yoga sezvo ichisumudza zidishi rayo rekumashure.
7erMyYrd9qflZJjN1wOPrEgigQu2
Munhurume wechiAfrica akamira akabata machira ane ruvara rutatu achiratidza kudhekoreta panzvimbo yaakamira.
DjhRSn1KslY6anw288LBQRBrxn52
Vatambi vemutambi webhora. Vashanu vakamira, vaviri vakatonona mberi. Unenhumbi dzakasiyana nedzevamwe, unoruoko rwekurudyi rwakabata pasi. Wakapfeka magirovhosi kutaridza kuti ndiye mubati wapagedhi. Vamwe vakapfeka yunifomu chena.
q7CSRCHvTrOuNdrAnuBLhdSnT9I2
Motikari yakamira pamumugwagwa inozivikanwa ichinzi gonyeti.Ine musoro muhombe ine ruvara rutsvuku nesirivha.Pamhiri pari kuonekwa imba yakavakwa ichiita kunge mahofisi ine midhuri yeruvara rweorenji nezvichena nemiti iri kureba iri kumera ipapo.
1hsZ9plACwbUjolprhO9KPopzji2
Ivhu rakawanda rakaunganidzwa rakatsetseka zvinobva zvaita kuti tifungidzire kuti panzvimbo iyi inzvimbo ine zvicherwa zvinocherwa. Ivhu iri ndiro rinocherwa kubva pasi panenge pachicherwa zvicherwa izvi.
FChdqE4fUlO8RBopBzfXsDLDIHR2
Mugwagwa wakapamhamha une tara unoratidza kuti une motokari dzirikupesana. Mujinga memugwagwa uyu mune miti mikuru inokuratidza kuti yakomba. Pasi pamiti iyi pane sora rakaoma rinoratidza kuti rava nenguva risati rambonaiwa nemvura.
FChdqE4fUlO8RBopBzfXsDLDIHR2
Mahofisi akavakwa achienda mudenga.Ane mafasitera akawanda.Pahofisi apa panewo masitepisi ekupinda nokubuda.Pane murume akamira ane kirashi.Uye pedo pane motikari yegireyi yakamira.
akPZ3sZLNmWepmQ73pcfOBhbAXC3
Shangu yechidzimai, ineruvara rwakada kutsvukuruka. Yakavhurika. Yakakwirirowo kumashure kwayo. Shangu iyi inopfekwa nevanhu vaya vanofarira zvekuchena.
6MXQrhAUdeQRGhKRUyE6daG3Qvm2
Vanhu vaviri vomutambo wonhabvu. Vakapfeka mayunifomu akafanana. Umwe chete akaisa chichena pamusoro. Vanoratidza kuti varipakudzidzira mutambo wawo uye vose vari kukwikwidzana kuti vagone kukava bhora riri nechepasi.
f4LbqfoJ6HXJeYxnuIrfZlP7qaM2
Ndiri kuona tambo dzemagetsi ne pole remagetsi, nemuti unemashizha ane ruvara rweGirini.
poK5rF3IQFc9IO6FIqlSzo2aSkH3
Imba hombe yokutandarira yakashongedzwa. Ine chigaro chomutefetefe chirefu chine ruvara rwakajeka rweorenji. Chinewo mitsago mitatu. Panewo tafura ine chivezwa pamusoro.
f4LbqfoJ6HXJeYxnuIrfZlP7qaM2
Nzvimbo iyi Inoonekwa murume akapfeka jaketi uyewo akaisa chivhara pamuromo , uyewo aine bhegi raakabereka. Panoonekwa chingorowo chakamira kumashure kwake. Kuruboshwe kwake kune masimbi akarara pasi arikuonekwa nechekumberi kunoonekwawo vanhu variko vakamira.
CtZCmGBDOjYnqksPXa5d3Gl7z9i1
Maruva ane ruvara rwegirinhi yakachenuruka akadyarwa mugaba rine ruvara rwegirinhi yakachenuruka zvakare. Gaba iri rakagadzikwa pamusoro peuriri hwesimende uye pane cheni mbiri dziri kudarika neparitivi paro.
9YsbXfx0ppQJk9wKB9iinCzo42e2
Nzvimbo inoratidza kuti inochengetedzwa zvakanaka sezvo ine sora nemaruva zvakasvibira chose. Kumberi kwacho kune miti mikuru nemotari dzakamiswa pasi pemashedhi kuti dzisatsva nezuva.
7erMyYrd9qflZJjN1wOPrEgigQu2
Bheji raishandiswa nechechi yezion pavaipemberera kuti vakasvitsa makore zana rine mashoko akanyorwa nemavara ebhuru.Pakati pacho pane muchinjikwa.
6MXQrhAUdeQRGhKRUyE6daG3Qvm2
Seti yekuitisa masvomhu yakabatwa neruoko rwekuruboshwe rwune chiringazuva.
IORd2eNihBh3Uz0XkY4LdY9Ehps1
Michero nemiriwo yakarogedzwa panzvimbo imwe chete. Yakaiswa pauriri huchena. Inosanganisira madomasi nemaapuro. Michero inobatsira kurwisana nezvirwere mumuviri.
x78Xo9rvJUaWam0JDzmvkIufFHp1
Vanhu vanoita zvemutambo wokumhanya. Vakapfeka zvakasiyana. Kune vakapfeka zvebhuru koitawo vakapfeka zvine ruvara rutsvuku. Kuzasi wakapfeka chikabudura chine ruvara rutema.
0V0O30nOtCOPDLoWZ1pSZpoGvYp1
Rori huru kwazvo rakamira zvaro. Rori iri rine musoro muchena uye rakanaka zvikuru pakutarisa. Rinoratidza kuti rinogona kutakura zvinhu zvakawanda kwazvo uye rori iri riri panzvimbo inoratidza kuti inzvimbo yekuwedzera mafuta.
mlCx7b2KkFU7F2pOKuAWLqvzp5q2
Pane mahara maviri nefoko ine musoro mutema imwechete. Zvose zvine mibato yemuti. Parutivi pane mafoshoro maviri. Imwe ine musoro une ngura. Imwe ine musoro muchena. Zvose zviri pasi pane matombo.
CUBWhUHYrpdoA4u6bodqHGer0my1
Pane varume vana murume nemudzimai mumwechete murume mumwe akapfeka chipika chichena akatarisa kumberi kunoiita kunge munhu ari kutaura. Mudzimai akabata chirebvu chake achitaridza kusuruvara.
akPZ3sZLNmWepmQ73pcfOBhbAXC3
Mhete dzomunzeve nedzomuhuro dziri kuratidzirwa muchitoro chinotengesa mhete idzi. Dzimwe dzakawaridzwa pamusoro petafura, dzimwe dzakaturikwa pamabhodhi uye dzimwe dzakaiswa pazvifananidzo zvinenge huro.
2xRfhns8LycwNgZA7uoGhqbPFhx2
Mureza wenyika yenyika yeCameroon inowanika muAfrica. Mureza uyu une ruvara rweginhi kwekutanga tichibva kurubhoswe poita ruvara rutsvuku pakati pouya ruvara rweyero. Nechepakati pane ruvara rutsvuku pane mufananidzo wenyenyedzi uripo. Mufananidzo uyu une ruvara rweyero.
0V0O30nOtCOPDLoWZ1pSZpoGvYp1
Vanhu vakaungana mubani vese vane migomo zvinove zvigubu zvekuratidza kuti varikucherera mvura parutivi pavo pane Jojo tengi rakavakirwa pamusoro rikatsveta pamusoro pechi mudhuri zvichiratidza kuti ndimo murikubva mvura yavari kuchereredza.
FChdqE4fUlO8RBopBzfXsDLDIHR2
Munhukadzi mumwe chete akamira akabata muchiuno chake. Ane musoro une bvudzi rakawanda rakasvibira ritema. Maziso ake akapendewa nebhuruu. Muruoko akapfeka zvindarira zvakawanda.
CUBWhUHYrpdoA4u6bodqHGer0my1
Shangu dzekurudyi nedzekuruboshwe. Dzine ruvara rwebhuruu neruchena. Dzinoratidza kuti dzakambopfekwa nekuti dzaakukwatanuka. Dzine tambo chena. Shangu idzi dzinogona kupfekwa zvose nevanhurume kana vanhukadzi.
x78Xo9rvJUaWam0JDzmvkIufFHp1
Mudziyo wakaiswa pakakwiririra ndewe mhando ye dhiriri iya yekubooresa. Ndeye rudzi rwe Bosch, inoshanda namagetsi. Yakaiswa ruvara rwe bhuruu muviri wese nezvitsvuku uyewo rakabatanidzwa netambo yamagetsi.
f4LbqfoJ6HXJeYxnuIrfZlP7qaM2
Zvinwiwa zvakaiswa muchando zvinoti zvokunwa zvinotapira zviri mukani rerata ine rutsvuku, zvimwe zviri mukakaba kepurasitiki kane ruvara rwebhuruu, pamwechete nemvura.
1PHOsx2JIpUU4lMLgTd3ssjITjf1
Shiri dzakamhara patambo dzemagetsi. Shiri idzi imbiri. Pane tambo dzemagetsi ina, uye panezidanda zihombe rakaiswa tambo idzi. Panewo miti unemapopo.
akPZ3sZLNmWepmQ73pcfOBhbAXC3
Miti dzakawanda dzine mizera yakasiyana. Mumwe une mashizha akawanda akasvibira egirini. Umwe una mashizha ebhurauni. Umwe una mashizha aneyero. Parutivi pane chivakwa chakagadzirwa nezvitinha zvitema.
1PHOsx2JIpUU4lMLgTd3ssjITjf1
Mbatatisi nhatu dziri pabhodhi rineruvara ruchena idzo dzine ruvara rwakaita goridhe dzirikuratidza hutano. Imwe ihombe dzimwe idiki.
3G2FJSUtrURBAEzZnL5t4lREAXF2
Mhando yechifambiso chinotakura vanhu riri bhazi rekwaJoray rine ruvara rutsvuku nerweyero pambabvu rinoenda kwaMutare rakananga nekwaRusape. Panoonekwawo mwenje inoshandisa simba rezuva.
IORd2eNihBh3Uz0XkY4LdY9Ehps1
Motikari dzakapakwa parutivi pechivakwa chimwe chinowanika muguta reHarare chinonzi Parkade. Apo panopakwa motikari dziri pamusoro pechivakwa.
Irq6eQrKEpQekboldgJje6AU5ws1
Maruva ane ruvara rwemiti kana ruvara rwemashizha akati svibire. Ari kufamba nemudhuri weimba kana kuti mudhuri wechidziro. Ane mashizha madiki.
dJbZPsh9kjQGwQ2fnlpHuNIeOfO2
Chuma chiri pamusoro petafura. Chuma chiri pamusoro petafura cheruvara rwesirivha.
pkzyCkVSnmaSBOYRkPRopIJ0Anl2
Mundiro yemuti iyi muzere madora . Madora aya akakangwa zvakanaka akasanganiswa nematamati nehanyanisi.
6xxsSWfShAUAktSJ7BIoL4a91py1
Zvinoratidza mapato maviri ari kugadzirira kuda kutamba mutambo wenhabvu vanotori munhandare tiri kuona nezvigaro zviripo zviri kuratidza kuti vari munhandare panenge pari kuitwa kamunamato kekuti vatange kutamba mutambo wavo.
3aIGhdo6wrdgaFajpuTVXQeErh62
Imba, imba ihombe , ine mafasitera makuru, inotaridza kuti haisati yapera kunyatso vakwa, haisati yapendiwa pamberi pemba pane murwi wezvidhinha uye ivhu.
akPZ3sZLNmWepmQ73pcfOBhbAXC3
Amai vane vana vaviri vadoko. Mumwe akaberekwa kumusana, mumwe ari kufamba akabatwa ruoko ari parutivi.
1PHOsx2JIpUU4lMLgTd3ssjITjf1
Vanhu vakamira padivi pemotokari dzemarudzi rwemakombi mukati meguta nechekumberi kune imba hombe yemudurikanidzwa yakabaka magetsi mukati mayo.
yMp9VdnNyORCJnbDnscFtd4cVHn2
Shangu mbiri dzechidzimai dzakavharika. Dzitema dzakagadzikwa pasi pane mataira ane mavara machena neebhuru.
CUBWhUHYrpdoA4u6bodqHGer0my1
Musha wakapakwa mota yerudzi rutema, pane muti wemupichisi une mashizha akasvibira uyewo pamusoro pejurahoro panoonekwa zvidhinha zvakarongwa zvakawandira mukati
CtZCmGBDOjYnqksPXa5d3Gl7z9i1
Bhazi guru rinotakura vanhu riri pamugwagwa mukuru wetara. Rakanyorwa padumbu kuti City Link. Rine ruvara ruchena muviri wose. Bhazi iri rakananga kuguta guru reHarare.
f4LbqfoJ6HXJeYxnuIrfZlP7qaM2
Mapamusi ishangu dzinopfekwa nemunhukadzi. Mukati madzo makachenuruka uye pamusoro pakashongedzwa nemaruva ane ruvara rutsvuku, ruchena uye rwemashizha.
DS6hxJnyXlYI6P8AJQ3wE6UAOx22
Vatambi venhabvu vari munhandare. Vane ma bhora maviri ivo vari vatatu. Vaviri vakapfeka zvipfeko zvine ruvara rwe girinhi. Umwe akapfeka bhurukwa dema nechipika chitsvuku.
Irq6eQrKEpQekboldgJje6AU5ws1
Madzimai maviri akagara pasi pe amburera vari pamusika. Vakafuka amburera ineruvara rutema pamusoro neruvara rwe kirimu kumativi. Madzimai maviri aya akapfeka nguwo dzekumusoro dzakasiyana. Umwe ane nguwo ine ruvara rutsvuku mumwe ane nguwo ine ruvara rwe girinhi. Nemipendero ine ruvara ruchena.
6yMVEvNaWJXi2UbPLujF6C4uGVJ3
Mundiro tsvuku yedhaka mune sadza riri kupfungaira. Sadza iri ijena rinoratidza kuti isadza rechibage. Rakaiswa imomo nenyama yakawanda kwazvo yakakangwa yakatsvukira. Neche parutivi pane girazi rine chinwiwa cheruvara rweranjisi.
oCN8mxzXTwaSHzRN0Uuo4Zd3PSY2
Gonye rine ruvara rwegirini riri pasi padyo namatombo.
Ss9GBR97MCUXMMi0ibM4EcwQpGH2
Rokwe refu iro rine ruvara ruchena panzvimbo yakakura uye maruva akaiswa neruvara rwebhureki ari nechepachifuva.
tmHt2JhxrfWp3wBlMVh873MkGz52
Bhutsu yegumbo rwokurudyi ine mavara akasiyana siyana anosanganisira ruvara rwendarama, rwebhuruu, rweorenji, rwuchena uyewo ruvara rutema.
5sARICpRDvc7D3wcUA1zOqyQbIq1
Iyo ishiri irikumbururuka ine mapapiro maviri, nemakumbo maviri, nemaziso maviri nemuromo wakarembera. Irikufambira mudenga.
fOCzY1CDIsMKq21MsHuUaZVwFbo2
Huso hwemunhukadzi akagadzirwa musoro zvakanaka.Akagadzirwa nevhudzi rekutenga.Vhudzi iri rakapetana petana richidzika kusvika pamapendekete.Rine kamutsetse pakati pemusoro.Akavhara kumeso kwake zvinoita sekuti haadi kuti vanhu vaone zvaari.
x78Xo9rvJUaWam0JDzmvkIufFHp1
Mushina muchena mumwe chete unoshandiswa pakusona nhumbi wakagadzikwa pamusoro petafura ine ruvara rwebhurawuni uyezve mumba mauri mune ruvara rwebhuruu.
3TJZHIth5tY646wZREH7LVRhqhD2
Imba huru yakavakwa nehunyanzvi yakanaka zvinomwisa mvura. Parutivi rwemba iyi pane zigumbure ziguru rinoshandiswa nevazhinji kuchengetera mvura rakaiswa mudenga rinodaidzwa nokuti Jojo tank. Nechemuchadenga tirikuona makore akasviba arikuratidza kuti angangonaya mvura .
7erMyYrd9qflZJjN1wOPrEgigQu2
Vanhu vari kutengesa zvinodyiwa navanhu zvakaitawo semichero zvinanazi, mabhanana uye maapuro. Vamwe vakafugawo masumburena anoita kuti vasatsva nezuva uye zvakare mugwagwa unofambawo dzimotokari.
4HdcZXLtmjhpO6zY9qLnLNCs7OJ2
Mureza wenyika une mavara matatu anoti, ruvara ruchena, rwakatsvukuruka uye ruvara rwebundo. Rine dendenedzwa rine ruvara rwakatsvukuruka paruvara ruchena rwuri pakati.
VhbTVNcBgoU9GMXQK1BgpkkmfCH2
Muti mukuru kwazvo une mashizha akasvibira. Muti uyu unoratidza kuti uri kuwana mvura yakakwana nokuti mashizha awo akakura uye akawanda. Pasi pemuti uyu pane ivhu rakatsvuka huye pane twumasora twushoma.
mlCx7b2KkFU7F2pOKuAWLqvzp5q2
Shavishavi rimwechete, rakamhara paruva richena. Rine mavara matema nemachena. Pazasi peruva pane chipembenene chimwechete chitema.
CUBWhUHYrpdoA4u6bodqHGer0my1
Murume akamira padivi pemotokari, murume uyu akapfeka nguwo ine ruvara rwepfumbu kumusoro nechikabudura chirefu chine ruvara rutema neshangu nhema, motokari iyi ine ruvara rweyero ine mavhiri ane ruvara rutema.
6yMVEvNaWJXi2UbPLujF6C4uGVJ3
Masvingo eGreat Zimbabwe izvi zvinova zvivakwa zvematombo zviri munzvimbo yeMasvingo. Inzvimbo inonyanyawo kushanyirwa nevanhu vachiona mararamiro aiitawo vanhu kare uyewo pane vanhu vari kuratidza kuti vakamira vauya kuzoshanya panzvimbo iyi.
0B0oxTbCrKeSD3CojZrSlAt7Je93
Turusi mana akagadzikwa pasi paneruvara rwekirimu uye pakasakara. Maturusi aya anosanganisira badza rinemubato wepuranga wakareba, nebhemba nebanga, uyezve nechekuchekesa sora.
3TJZHIth5tY646wZREH7LVRhqhD2
Matakishopu maviri. Imwe yakapendwa nependi chena imwe yakapendwa nependi yegirinhi uye pamusoro yakanyorwa. Zvekare matakishopu aya ari pedo nematombo.
akPZ3sZLNmWepmQ73pcfOBhbAXC3
Zvigubhu zvemvura zviduku, chigaba chekokora cherata nechigaba chepurasitiki cheyogati, zvose zviri mukati memagodo echando.
CUBWhUHYrpdoA4u6bodqHGer0my1
Zvuma nemhete zvakaunganidzwa zvoratidza kuti zviri kutengeswa. Zvuma zviripo zvimwe zvine ruvara rutema zvimwewo ndizvo zvine ruvara rwesirivheri . Mhete dziripo dzimwe dzine ruvara sirivheri neruvara rutema kwoitawo dzimwe dzine ruvara rwesirivheri chete.
0V0O30nOtCOPDLoWZ1pSZpoGvYp1
Pakati peguta redhorobha motokari dzirikufamba mumugwagwa dzimwewo dzakamira nechekumativi. midhuri yakawanda yakavakwa inoturikidzana ichienda mudenga irikuonekwa panzvimbo iyi, mahofisi nezvitoro zvinowanikwa pamidhuri yakadai
Mg2nsqbQ5IR7buwlHrHBQqyf4iZ2
Marobhotsi anowanikwa mumaguta. Anoita kuti mota dzisabonderane. Marobhotsi aya anedanda rineruvara rwuchena koita danda rineruvara rwutema. Nechekumusoro kunoita mwenje kunoratidza kuti kune mwenje mutsvuku mukati. Kumwe kwese kunoratidza kuti mwenje wakadzima.
0V0O30nOtCOPDLoWZ1pSZpoGvYp1
Midziyo inoshandiswa muimba yokubikira. Midziyo iyi inoshandiswa pakubika. Imwe yemidziyo irimo pane inoshandiswa kukangisa nyama poita imwe inoshandiswa kukurungisa zvinenge zvichida kukurungwa.
0V0O30nOtCOPDLoWZ1pSZpoGvYp1
Dzimba zhinji dzakavakwa nemutoo wakafanana dzakapendiwa nependi yakatsvuka kuzasi dzikanopendiwa neyakacheneruka kumusoro mamiriro akaita dzimba idzi anoita kuti tifungidzire kuti pachikoro, nechekumusoro kwacho kune chikomo chine miti ine mashizha asina hutano zvinobva zvaita kuti tifungidzire kuti iyi inguva yechando.
FChdqE4fUlO8RBopBzfXsDLDIHR2
Vatambi vari munhandare. Pane mumwe chete akasvetuka akabata bhora dzvuku uye ari kuratidza kuti ari kuda kumwisa mumambure. Vamwe vatambi vari muzasi vakapfeka nhumbi dzakasiyanasiyana.
DS6hxJnyXlYI6P8AJQ3wE6UAOx22
Musika wembatatisi unoonekwa mune rima imomo. Vanhu vane mahovhorosi vakagara pasi vachitengesera vakamira uye vakapfekawo zvitsvuku vanofarira basa ravo rekuti vaite mari yekuvapa pundutso.
CSq89cWA0TWOd1UgfWefqXSUDBO2
Vanhu vazhinji, varume nevakadzi varikuratidza kuti varikufamba vachipinda nepasi pemudhuri, mumwe mukadzi arikumberi akapfeka shangu chena nemudhebhe wesatani watingati ndewe jini akabata mbozhanhare neruoko rwake rwerudyi, arikuratidza kuti arikutotaura nemunhu pambozhanhare yacho, sezvo akaiisa panzeve yokuruoko rwerudyi.
7erMyYrd9qflZJjN1wOPrEgigQu2
Mushina unoshandiswa kunamirira mitengo kumadziro uye pazvinhu zviri kutengeswa.
VhbTVNcBgoU9GMXQK1BgpkkmfCH2
Chinanasi chakadyarwa uye chinoratidza kuti chakanatsoguta mvura chakasvika. Chinerurava ruchena chobva chaita mavara matema. Nechekumusoro kwacho chineruva riripamusoro rineruvara rwegirini. Chinanasi ichi mashizha achona aneruvara rwegirini yakasvibira.
0V0O30nOtCOPDLoWZ1pSZpoGvYp1
Nhandare yokumanyira. Ine ruvara rwebhurawuni namaraini machena. Pane vanhu vaviri vari kukona kwenhandare mumwe akakotama mumwe akamira wakapfeka zvitsvuku. Vanenge vari kudzidzira kumhanya. Nechekumberi kune besu remota yebhuruu ririkubuda.
q7CSRCHvTrOuNdrAnuBLhdSnT9I2
Kombi chena iri kuratidza kuti yakatakura vanhu uye iri kufamba mumugwagwa. Padivi pekombi iyi pane zimuti zihombe riri kuratidza kuti rine mashizha akasvibira zvikuru. Pari kuonewo zvivakwa zviri kuratidza kuti panogara vanhu.
mlCx7b2KkFU7F2pOKuAWLqvzp5q2
Nzvimbo ine mudhuri wakavakwa ukanyorwa.Wakanyorwa zita rechechi uye chikoro chinowanikwa panzvimbo iyi.Inzvimbo yechikoro nechechi zvakavakwa pamwe chete.Vanhu vanokurudzirwa kunamata kuti vagorarama nokusingaperi vachidiwa naMwari.
Mg2nsqbQ5IR7buwlHrHBQqyf4iZ2
Zvinhu zviri kutengeswa muchitoro zvinosanganisira shuru shuru yokunama mapepa, mabhuku pamwe chete nezvinyoreso.
9YsbXfx0ppQJk9wKB9iinCzo42e2
Shangu yakagadzikwa parutivi rwematayera ndeye bhurauni mukati mayowo muri bhurauni ine kasimbi pamusoro kumberi kwayo kwakatesvera uye kunovhara zvigunwe zvese kana yakapfekwa.
x78Xo9rvJUaWam0JDzmvkIufFHp1
Zvitoro zvinoratidza kuti zvinoita zvakasiyana siyana. Pane chitoro chinoita zvekugera nekugadzira musoro. Chine mufanidzo wevanhu vane vhudzi rakanaka rakakura koita mumwe mufanidzo wevanhu vane vhudzi rakagerwa. Neche parutivi panotengeswa zvinwiwa zvakasiyana siyana zvimwe zvine ruvara rweyero zvimwe zvine ruvara rutsvuku.
4I6m2NXNGIWZ5wB5SjgpccqFjtL2
Shangu tema dzakavharika kumberi nekumasure. Dzine rudzi rwejombo uye dzine twusimbi twuri kuonekera nechekure twunopenya penya padivi padzo. Dzine tambo dzokusungisa.
dJbZPsh9kjQGwQ2fnlpHuNIeOfO2
Zvipembere zvirikufamba zviri zvitatatu. Zvese zvakakura asi panechimwe chirikurutivi rwekuruboshwe chakada kuti mhumhu wakaita mudiki zvishoma. Mazinyanga ekumberi kwazvo arikuoneka. Uyewo nzeve dzakamira dzimwe dzichiita sedzakarereka dzichidzokera shure zvishoma. Kuseri kwazvo kunemauswa nezvikwenzi zviripo kuratidza kuti zvirikufamba munzvimbo umu kuti zviwane chekudya.
2Q9Qx8uHQ5VAkWNdgqd7mVEeE2u1
Munhukadzi arikufamba akatakura zvinhu mumusoro. Munhurume akamira. Motikari nhema iri kufamba mumugwagwa wakagadzirwa. Miti miviri.
011NYZ63olfcf3Ga8ZZbuD9WGpX2
Muti worudzi rwomupaini wakasimwa, unamashizha arikurembera achidzaka anoratidza kuva mashizha awoma avakukwachuka kubva pamuti.
Mg2nsqbQ5IR7buwlHrHBQqyf4iZ2
Ruzhowa rwakanyatsovakirirwa zvakanaka. Ruzhowa urwu rakavakwa ruchipinda mumagedhi zvinonwisa mvura, rwakapendiwa neruvara rweyellow neruvara rwebhurawuni.
0V0O30nOtCOPDLoWZ1pSZpoGvYp1
Nyemba dzakawanda dzakaunganidzwa pasi pachena. Dzine ruvara rutema. Kumuromo kwadzo kune ruvara ruchena.
CUBWhUHYrpdoA4u6bodqHGer0my1
Musikana akarukwa mhotse, iye ari mutsvuku akapfekawo hembe tsvuku. Akaisa zvitanda zvokuteerera munzeve.
IORd2eNihBh3Uz0XkY4LdY9Ehps1
Vanhu vari munhandare varikuratidza kuti varikutamba mutambo we cricket. Vanhu ava vakapfeka midhembe. Nhandare iyi inoratidza kuti ine shanje inodiridzwa apo nepapo uye shanje iyi yakachekererwa zvakaenzana.
FChdqE4fUlO8RBopBzfXsDLDIHR2
Zvinhu zvesiteshenari zvinowanzoshandiswa muzvikoro nemumahofisi kana kune dzimwe nzvimbo.Zvitsva.Zvakatoturikwa pamasherefu pazvo kuratidza kuti zviri kutengesewa.Zvine marudzi nemavara akasiyana.
q7CSRCHvTrOuNdrAnuBLhdSnT9I2
Nzvimbo iri pedyo nemugwagwa une tara.Ine huswa husina kunyanya kukura.Huswa hwacho hwakaita kutsvukuruka.Panewo miti ine maruva.Maruva acho matsvuku uye mamwe akada kuita pingi.Mashizha emiti iyi ndeegirini.
6MXQrhAUdeQRGhKRUyE6daG3Qvm2
Vana vechikoro vakabata zvinyoreso nemapepa machena kuti vagokwanisa kunyora zvakanyoriwa pabhodhi nemudzidzisi wavo.
VhbTVNcBgoU9GMXQK1BgpkkmfCH2
Vanhu varikutengesa vakawarira pasi zvinhu zvakawanda zvakafanana namaheti , namapegisi, mabhurashi nezvimwe zvakawanda. Pane vanhurume vakagara nevanhukadzi. Vamwe varikufamba vane mashan'ani bhegi kuratidza kuti vatenga zvinhu zvavo, vavekuenda. Nechekurutivi kune zvakavakwa zvamapuranga namarata ariko.
3G2FJSUtrURBAEzZnL5t4lREAXF2
Vanhu vari kufamba vari pakati pedhorobha.Pari kuonekwa pane muti wakarebenuka.Zvakare pane vanhu vaviri vakagara pasi,murume akapfeka hembe yekumusoro yeruvara rutsvuku nemukadzi akapfeka nguwani yeruvara ruchena.Pari kuonekwa zvakare pane munhu ari kufamba akatakura bhegi reruvara rutema.
1hsZ9plACwbUjolprhO9KPopzji2
Pakati pevanhu vari kufamba muguta parutivi rwemugwagwae pane murume akapfeka hembe yeruvara rutsvuku nomudhebhe weruvara ruchena pamwe chete neshangu dziri muruvara rutema.
5sARICpRDvc7D3wcUA1zOqyQbIq1
End of preview. Expand in Data Studio
README.md exists but content is empty.
Downloads last month
188