input stringlengths 0 1.3k | output stringlengths 3 1.72k | instruction stringlengths 7 297 |
|---|---|---|
Ona zuva riri kubuda kumaruwa iro.
VaMoyo vanomuka apo zuva riri kubusa misi yese.
Ivo VaMaMoyo vanogara kumaruwa.
VaMaMoyo vazarura musuwo wavo.
Vamire nemuzukuru wavo Tauya Mawire.
Iyewo Tauya Mawire anoona zuva riri kubuda.
Iye Tauya Mawire muzukuru wavo akananaka.
Anoyamura tete vake pamabasa ese avanoita.
Misi yes... | Verenga mitsara inotevera | |
Tete vazarura musu_o wavo.
Tauya Mawire mu_uku akanaka.
Muzukuru akanaka ano_amura tete vake.
Tete vanorima muri_o
VaMaMoyo vanoara kumaru_a
Muzukuru akau_a kuzoyamura tete vake | Tete vazarura musuwo wavo.
Teuya Mawire muzukuru akanaka.
Muzukuru akanaka anoyamura tete vake.
Tete vanorima muriwo.
VaMaMoyo vanogar kumaruva.
Muzukuru akauya kuzoyamura tete vake | zadzisa na: z
w
y |
Nezuro masikati ini namukoma Zivanai tairaura hove.Tairaura hove tigere pasi pemiti mikuru.Taida kubata hove huru kana diki.Masikati ese hatina kuwana hove yatakabata.Ipapo VaMawere vakauya kuzotiona pataive tigere.Vakati, 'Kwaziwai vakomana!'Isu ikati, 'Kwaziwai baba.Ko, makadini?'VaMawere vanofarira kuraura hove.Uye ... | 1. vairaura hove
2. VaMawere
3. hombe nediki
4. amai
5. mupoto ine mafuta | verenga ndima inotoevera wondibatsira kupindura mibvunzo inotevera,
1. Vana Zivanai vaiitei?
2. Ndiani akataura navo?
3. Vakabata hove dzakadini?
4. Vakapa hove kuna ani?
5. Amai vakabika hove pai? |
mwa mwe mwi mwo mwu
Mwa Mwe Mwi Mwo Mwu | mwana mwena mwiro mwoto mwenga nomwe Mwari mwaya yamwa mwene kamwe homwe mweya mwoyo mwaka mwero | Vaka manzwi |
cha che chi cho chu
Cha Che Chi Cho Chu | chema chuma choto chido maricho chikoro mucheche chapupu mucheka chigaro chibage churu chechi muchato cheuka chose | vaka manzwi |
Amai Muchimwe vave nemumwe mwana mucheche.Mwana mucheche uyu achiri kuyamwa pamazu ramai vake.Baba VaMuchimwe vanofarira mwana mucheche uyu.Vanofara kuti Mwari akavapa mumwe mwana.
VaMuchimwe vakapa mwana mucheche zita rokuti Mutumwa.Baba naAmai Muchimwe vane vamwe vana vakuru.Mutumwa mwana waAmai Muchimwe wekupedzisir... | kuti Mwari akavapa mumwe mwama | verenga ndima iyi upindure mibvunzo uyu
1. Baba muchimwe vanofarira chii pamwana mucheche? |
mba mbe mbi mbo mbu
Mba Mbe Mbi Mbo Mbu | mbare mbiri mberi simba mbizi zumbu hembe gumbo dumbu gomba imba ambuya mbudzi mbembe mbereko fambisa | vaka manzwi |
dza dze dzi dzo dzu
Dza Dze Dzi Dzo Dzu | dzidzo badza mwedzi mbudzi dzudzura sadza dzimbo mbodza dzese dzoro mukadzi chidzere mudzi madzudzo madziro chiedza | vaka manzwi |
Simba naKudzai vazukuru vaVaZimbodza.Simba naKudzai vane dzoro rekufudza mbudzi.Idzoro remwedzi wese vachifudza mbudzi.Vanofudza mbudzi dzasekuru vavo VaZimbodza.Sekuru VaZimbodza vanofarira Simba naKudzai.Vanofarira vazukuru vavo nokuti vanofudza mbudzi.Dzimwe mbudzi dzine mbudzana.Mbudzana mwana wembudzi.Imwe mbudzi ... | sekuru vaKudzai naSimba vainzi VaZimbodza | pindura mubvunzo wekuti, sekuru vaKudzai naSimba vainzi ani? mhinduro yako ngaive seyemwana ari mugrade one |
detembo raMukudzei Mbedzi | Mukudzei ane dzoro.
Mukudzei ane dzoro rekufudza mbudzi.
Imwe mbudzi ine mbudzana mbiri | nyora detembo semwana wegrade one |
tsa tse tsi tso tsu | Tsitsi tsotsi tsika tsuro tsumo tsiru tsere matsi tsotso tsine tsaru mutsetse tsamba matsito kotsira chitsuwa masutso tsoka tsambakodzi | umba manzwi |
bva bve bvi bvo bvu | bvute mabvi bveni bvuma bvuri mbabvu tsubvu bvokocho bvoora bvarura bvuta Kubvumbi bvotomoka bvisa bvembe | umba mazwi |
Marimwezuro Bvumai akafara.Akatambira tsamba inosetsa.Akataridza vamwe tsamba iyi inosetsa.Tsamba iyi yakabva kuna Tsitsi Mabviro.Mutsamba yaTsitsi muzere nyaya dzinosetsa.Iye Tsitsi anogara kuMabvuku.Anodzidza pachikoro cheChitsere.Tsitsi mwana wechitatu waVaMabviro.VaMabviro murume ane mutsa.Murume ane mutsa anobatsi... | 1. Tsamba yaibva kuna Tsitsi Mabviro
2. Tsitsi anogara kuMabvuku
3. Tsitsi anodzidza pachikoro cheChitsere
4. Tsitsi mwana waVaMabviro
5. VaMabviro vanogara muguta gutu
6. Muguta guru mune magetsi | verenga nzwisiso iyi undipe mhinduro kumibvunzo iyi semwana wegrade one
1. Tsamba yaBvumai yaibva kuna ani?
2. Tsitsi anogara kupi?
3. Tsitsi anodzidza pachikoro chipi.
4.Tsitsi mwana waani.
5.VaMabviro vanogara kupi?
6. Muguta guru mune chii? |
Tsotsi harina tsitsi
Tsotsi harina tsika
Iwe usabvume kuita tsotsi
Tsotsi rakafanana nebveni kutaura
Tsotsi rinobvotomoka
Tsotsi rinobvuta, rinobvarura
Tsotsi rinobvoora mbabvu dzevamwe
Iwe usabvume kuita tsotsi | ndinyorere detembo retsotsi semwana wegrade one | |
sha she shi sho shu | shasha shangu musha shiri sheche shava shuga mashuku bishi shamwari Chishanu mashoko shuku shomane shure shoroma | umba manzwi |
nga nge ngi ngo ngu | shangu ngoro ngoma rungano shinga mushonga chirongo nguva tengesa ngirozi Chikunguru gunguwo Ngoni ngetani mutongi banga | umba manzwi |
Sekutu VaMushonga vatenga shangu shava.Vatengera muzukuru wavo Shinga Mashoko.Shinga Mashoko atambira shangu shava nemufaro.VaMushonga ishasha pakusarudza shangu dzakanaka.Shingaataridza shamwari yake Ngoni shangu dzake.Ataridza shamwari yake shangu nemufaro.Shinga naNgoni ishamwari neshamwari dzemakore.Iye Ngoni ane s... | 1. Sekuru VaMushonga
2. waVaMashiri
3. Ngoni
4. nhema
5. naVaMashiri | verenga ndima iyi upindure mibvunzo inotovera semwana wegrade one,
1. Shinga muzukuru waani?
2. Ngoni mwana waani?
3.Ngoni ishamwari yaani?
4. Ngoni ane shangu dzerudzii?
5. Ndiani akatengera Ngoni shangu? |
1. ngoni natashinga vasikana vakanaka
2. tongai navengai vakomana vakanaka
3. mashoko ishamwari yarungano
4. mashiri ishamwari yakurai | 1. Ngoni naTashinga vakanaka
2. Tongai naVengai vakomana vakanaka
3. Mashoko ishamwari yaRungano
4. Mashiri ishamwari yaKurai | nyora mitsara inotevera uchiisa vara guru pamazita ese evanhu |
mha mhe mhi mho mhu | mhuri mhuka mhou mhuru mhepo mhindo mhondi mhini mhezi mhaka mhondoro mhandire mhinduro mhandara mhiri mhoresa | umba manzwi |
nda nde ndi ndo ndu | ndini ndege nonda dondo munda bindu dende Ndira ndove dendere ngundu nhandare mavende hondo ndebvu ndiro | umba manzwi |
VaMhondoro vane mhou mhini.Mhou mhini ine mwise wakadimuka.Mhou mhini yaVaMhondoro ine ndoro chena pahuma.Mhou mhini yaVaMhondoro yakabereka.Mhou mhini yakabereka mhuru hadzi yechiposhi.Mhuru hadzi iyi ichakura kuita tsiru.Mhou mhini yakabereka mumwedzi waNdira.Mwedzi waNdira mwedzi wechiposhi pagore.Mhuri yaVaMhondoro... | 1. ndeya VaMhondoro
2. ndoro chena
3. mumwedzi waNdira
4. mhuru hadzi yechiposhi
5. mbiri | verenga ndima iyi wondipa mhinduro semwana wegrade one,
1. Mhou mhini ndeya ani?
2. Mhou ine chii pahuma payo?
3. Mhou yakabereka riini?
4. Mhou yakabereka mhuru dzerudzii?
5. VaMhondoro vane mhou ngani? |
Vabereki vepachikoro cheRumhanda vari mubishi.Vari mubishi rekuvaka dzimba dzechikoro.Vari kuvaka dzimba dzekudzidzira.Vabereki vakaita musangano mukuru.Vakaita musangano mumwedzi waKubvumbi.Vabereki vese vakaungana pachikoro cheRumhanda.Majaya akauyawo kumusangano uyu.Jaya mukomana akura asi asati aroora mukadzi.Mhand... | 1. mumwedzi waKubvumbi
2. jaya
3. mhandara
4. Chivabvu
5. mutsetse | verenga ndima inotevera uzadzise mibvunzo inotevera,
1. Vabereki vakaitaa musangano mumwedzi wa_____
2. ______ mukomana akura asi asati aroora mukadzi
3. _____ musikana akura asi asati ave nemurume
4. ______ ndiwo mwedzi wechishanu wegore
5. Vari kuvaka dzimba dziri mu ______ wakarurama |
1. chipo musikana akanaka.
2. taurai mukomana akanaka
3. garikai namujere vakomana vakanaka.
4. farisai narudo vasikana vakanaka | 1. Chipo musikana akanaka
2. Taurai mukomana akanaka
3. Garikai naMujere vakomana vakanaka.
4. Farisai naRudo vasikana vakanaka | nyora mazita ese evanhu uchitanga nenyora hombe |
bha bhe bhi bho bhu | bhara bhora bhucha bhazi bhasera bhachi bhuku bhotoro bhururu bhokisi bhururuka bhasikoro chibharo bhindauko | umba manzwi |
rwa rwe rwi rwo rwu | rwendo rwizi rwodzi garwe rwiyo murwi chirwere Tinarwo farirwa rwadziwa burwa barwe gurwe torerwa | umba mazwi |
Pazororo Tinarwo Chiravirwa akafamba rwendo.Tinarwo akaenda kuguta guru nebhazi raChibhehbe.Akafamba rwendo urwu naMujibha.Mujibha mwanakomana waVaChibhamu.Kuguta kuna sekuru vavo VaGarwe.Parwendo bhazi rekayambuka rwizi rukuru.VaGarwe vakatambira Tinarwo naMujibha nemufaro.Ivo VaGarwe vanoshanda mubhucha riri muguta g... | 1. Tinarwo Chiravirwa naMujibha
2. kuguta guru
3. nebhazi
4. mubhucha
5. mabhasikoro | verenga ndima iri pazasi upindure semwana wegrade one,
1. Vakafamba rwendo ndiani nani?
2. Vakaenda kupi?
3. Vakaenda nei?
4. VaGarwe vanoshanda mui?
5. VaGarwe vakatengera vazukuru vavo chii? |
Kudai ndine mapapiro
Ndaibira rwizi rune makarwe
Ndichibhururuka seshiri
Kudai ndine mapapiro
Kufamba nebhazi kana bhasikoro ndairamba | ndinyorere detembo | |
mva mve mvi mvo mvu | mvura mvuu mvere mvana mveya mumvuri mvemve Mamvura chimviriri mveve mvinga mvonyera | umba manzwi |
nha nhe nhi nho nhu | nhasi nhume nhoro nhema nhoko nhatu nharo nhongo nhaka nhete nhimbe nhanhatu tonhora tinhira manheru | umba mazwi |
Nhasi mvura iri kunaya mudunhu reNharira.Mheni iri kutinhira mudunhu rese reNharira.Vanhu vari kuti manheru kuchatonhora.Manheru mvura ichanaya kuchitonhora.Kana mvura ichinay vanhu vanofuga sambureni dzavo.Mudunhu reNharira munonaya mvura yakawanda.Mvura inonyaya ichizadza rwizi rukuru rwekuNharira.Murwizi rukuru urwu... | verenga ndima iyi uinzwisise | |
pfa pfe pfi pfo pfu | pfeka pfuko pfihwa pfupi pfiga pfuura pfumo pfugama pfende pfunya pfimbi | umba manzwi |
nza nze nzi nzo nzu | nzara nzeve nzira nzungu nzombe nzou nzimbe nhunzi mapenzi benzi nzizi gonzo | umba mazwi |
Amai Mupfupi vakanga vachibika sadza vari panze.Vaibikira sadza vari panze pachivanze chepamba pavo.Amai Mupfupi vaibika sadza ravo vakapfugama nemabvi.Vaibika sadza remapfunde.Mpafunde anoita upfu hunonaka.Amai Mupfupi vaibikirawo sadza vana vavo vaviri.Mwana wavo Chenzira akanga agere pasi akapfunya.Mumwe mwana wavo ... | 1. Amai Mupfupi
2. Vaibika sadza vari panze
3. remapfunde
4. nemabvi | verenga ndima iyi ugondibetsera kupindura mibvunzo iyi
1. Ndiani aibika sadza?
2. VAibika sadza vari pai?
3. Vaibika sadza rei?
Munhu anopfugama nei? |
Vana vese nababa VaMupfupi vakanga vave nenzara.Amai Mupfupi havade vana vane upfuende.Havade kuona chinonzi nhudzi dzichimhara pachikafu chavo.Amai Mupfupi havade kuona makonzo mumba mavo.Amai Mupfupi vaibikirawo baba sadza remapfunde | 1. Mumwe anonzi Tapfuma
Wechipiri anonzi Chenzira
2. Amai Mupfupi havade vana vane pfende
Zvekare havade nhunzi dzichimhara pachikafu chavo | verenga nyaya iyi undipe mhinduro pamibvunzo iyi
1. Nyora mazita evana vaAmai Mupfupi uchiti:
Mumwe ainzi ________.
Wechipiri achinzi ________
2. Nyora zvinhu zviviri chete zvisingadiwe naAmai Mupfpi uchiti:
Amai Mupfupi havade _____.
Zvekare havade ______ |
Baba VaMupfupi murimi wemapfunde nenzungu.VaMupfupi vakanga vaneta nebasa rekurima.Vakanga vachirima zuva richipisa.Vairima negejo nenzombe dzavo mbiri.Imwe nzombe yavo inzuma.VaMupfupi vakanga vaneta.Vakange vave nenzara.VaMupfupi vanofarira sadza remapfunde.Vanoti sadza remapfunde rinogutsa.Sadza remapfunde rinopedza... | 1. negejo
2. mbiri
3. nyanga | verenga ndima iyi undipe mhinduro, pindura semwana wegrade one,
1. VaMupfupi vanorima nei?
2. Vairima nenzombe ngani?
3. Nzombe nzuma haina chii? |
mombe nzou kiti mbudzi nhoro shumba hwai bere | 1. Mhuka dzemumusha
mombe kiti mbudzi hwai
2. Mhuka dzemusango
nzou nhoro shumba bere | isa mazita emhuka dzemumusha uye dzemusango |
1. Tinorima ne _____
2. Tinosunga huni pamwe chete ne _______
3. Tinobikira manhanga mu __________
4. Tinotema huni ne _____
5. Tinoraura ne _____
6. Tinocheka nyama ne ______
7. Kana kuchitonhora tinodyiya ______
8. Kana zuva richipisa tinogara mu ______ | 1. Tinorima nebadza
2. Tinosunga huni pamwe chete nerwodzi
3. Tinobikira manhanga muhari
4. Tinotema huni nedemo
5. Tinoraura hove nechirauro
6.Tinocheka nyama nebanga
7.Kana kuchitonhora tinodziya mushana
8.Kana zuva richipisa tinogara mumumvuri | zadzisa mitsara nemazita anotevera,
demo
badza
mushana
hari
mumvuri
banga
rwodzi
chirauro |
vha vhe vhi vho vhu | ivhu rwaivhi vhiki muvhunzo Muvhuro vhara vhiri rovha vheneka muvhimi Nyamavhuvhu vhomora vhunduka vhukika vhudzi vhiya | umba manzwi |
nya nye nyi nyo nyu | nyaya nyoka nyuchi nyimo nyoro nyika munyu shanya nyenyedzi nyura nyunyuta monyorora nyore nyurusi nyima nyadzisa | umba mazwi |
Vhiki rakapfuura Nyarai akashanyira Nyenyedzi naNyika.Akavashanyira nemusi weMuvuro.Mumwedzi waNyamavhuvhu Nyenyedzi naNyika vakanga vamboshanyirawo Nyarai.Nyika naNyenyedzi vana vaVaMuvimi.Nyarai mwana waVaMavheneka.VaMavheneka nemhuri yavo vanogara kuChivhu.Nenyedzi naNyika vakatambira Nyarai nemufaro mukuru.Pavakaon... | 1. vana vaVaMuvhimi
2. mwana waVaMavheneka
3. Nyarai
4. mumwedzi waNyamavhuvhu
5.Nyenyedzi na Nyika
6.Nyarai | verenga ndima inotevera undipe mhinduro pamibvunzo iyi,
1. Nyika naNyenyedzi vana vaani?
2. Nyarai mwana waani?
3. Ndiani akashanya nemusi weMuvhuro?
4. Akashanya mumwedzi upi?
5. Anoda nyimo nyoro ndiani?
6. Anoda nyama nyoro ndiani? |
bha bhe bhi bho bhu | bhara bhasikoro bhera bhindauko bhora bhadhara bheura bhachi | umba manzwi |
zva zve zvi zvo zvu | zvino zvese zvekare zvipfeko zvikuru chaizvo zvombo zvakanaka muzvare zvedu zvuru muzvere zvose izvezvi zvake zvinhu | umba mazwi |
Muguta reMasvingo mune murume anonzi VaSvosve.VaSvosve murume akasvika chaizvo.VaSvosve vanoita basa rekutonga mhosva mudare redzimhosva muguta reMasvingo.VaSvosve ndibaba vakanaka chaizvo.Vakatengera mwanakomana wavo Zvenyika bhasikoro.Ivo Vasvosve vaifarira mwanakomana wavo Zvenyika kubvira achiri rusvava.Rusvava mwa... | 1. mwana waVaSvosve
2. rusvava
3. Masvingo
4. vanoita basa rekutonga mhosva mudare redzimhosva
5. bhasikoro | verenga ndima iyi, upe mhinduro yakakodzera
1. Zvenyika mwana waani?
2. Mwana mucheche achangozvarwa anonzi chii?
3. VaSvosve vanoshanda muguta ripi?
4. VaSvosve vanoita basa rei?
5. VaSvosve vakatengera mwanakomana wavo chii? |
kwa kwe kwi kwo kwu | kwira kwedu kwete kwanisa chokwadi rukweza mukwende chikwereti makwikwi mukwambo kwesere kwindi | umba manzwi |
hwa hwe hwi hwo hwu | hwiza hwahwa hwema hwiriti hwedza mapehwe Murehwa dehwe jahwi hwamanda hwai hwishu hwoni hwiza hwowa uhwu | umba mazwi |
Marimwezuro kwaMurehwa kwaive nemakwikwi.Aive makwikwi ekumhanya.Makwikwi ekumhanya haade vaya vanofarira zvehwahwa.Kwakauya vanhu vakawanda kuzoona makwikwi aya.Vese vaikwanisa kuuya kuzoona makwikwi aya vakange varipo | 1. kwaMurehwa
2. Marimwezuro
3. ekumhanya | verenga nyaya iyi undipe mhinduro uchiita seuri mwana we grade one
1. Makwikwi akaitwa kupi?
2. Makwikwi akaitwa riini?
3. Aive makwikwi eyi? |
Makwikwi aya akaonekwa nevanhu vakawanda zvikuru.Vamwe vairidza ngoma nehwamanda pamakwikwi aya.
Ini ndakagara pamusoro pedombo pakakwirira.Ndaida kunyatsoona makwikwi aya zvakanaka.Makwikwi akazotangisa zuva rakwira zvishomane.Chokwadi kutaurirwa hunyimwa.Makwikwi aya aingoda kuzvionera wega, kwete kutaurirwa.Shasha d... | ndinyorere rondedzero yekuti makwikwi kwamurehwa, nyora semwana wegrade one | |
Dehwe ndiye akatora mubairo wechiposhi mumakwikwi aya.Mubairo wechiposhi waive wemukwende wenhumbi.Akatevera Dehwe mumakwikwi aya ndiChikwepa.Vanhu vakafarira mamhamyira aChikwepa mumakwikwi aya.
Chikwepa, murume murefu, aimhanya nenhanho refu refu.Akaita chikweya mumakwikwi aya anonzi Guhwa.Chikweya ndiye munhu anoita... | nyora rondedzero yekuti dehwe anotora mubairo, nyora semwana wegrade one | |
dha dhe dhi dho dhu | dhadha dhorobha dhaka dherera dhuma bhadhara mudhara mudhuri dhibha mudhomeni mudhudhudhu dhongi | umba manzwi |
nja nje nji njo nju | njanji njere njuva njuga njodzi donje shanje mwenje mbanje njuzu mbonje njiri | umba mazwi |
VaManenji mudhomeni kumaruwa.Basa rechidhomeni rinoda munhu akachenjera.Munhu anonzi akachenjera munhu ane njere.VaManenji vanodzidzisa vanhhu zvekurima.Vanodzidzisawo vanhu zvekupfuya zvipfuwo.Vanhu vanofanira kupota vachidhibhisa mombe dzavo.VaManenji vanofamba vakatasva mudhudhudhu.Kutasva mudhudhudhu kunoda vakache... | nyora nyaya yekuti madhomeni manenji semwana wegiredhi yokutanga | |
Musikana anonzi Dhorika | VaManenji vane mwanasikana wekutanga waVaManenji. Iye Dhorika musikana akachenjera zvikuru.Dhorika musikana ane njere.Zvekare Dhorika musikana akasimba kunge njanji.Dhorika anochengeta shangu dzake zvakanaka.Anoziva kuti kutenga shangu kunodhura.Haatambe munosvibisa shangu dzake.Dhorika anodzidza pachikoro chiri mudhor... | ndinyorere rondedzero yekuti munhu waunoziva, nyora semwana ari mugrade one |
mudzidzisi waDhorika | Zvino Dhorika ari mugiredhi rekutanga.Mudzidzisi waDhorika ndiAmai Madhuku.Amai Madhuku mudzidzisi akachenjera zvikuru.Amai Madhuku vanodzidzisa vana kunyora nekuverenga.Zvekare vanodzidzisa vana kusima miti.Vanodzidzisa vana kusima miti pachikoro uye kumisha yavo.Vanodzdidzisawo vana kuti vasapise sora. | nyora rondedzero yekuti munhu wandinoyemura, semwana ari mugrade one |
Muvhuro Chipiri Chitatu China Chishanu Mugovera Svondo | ndinyorere mazita emazuva esvondo | |
Vachingwende ihurudza | VaChingwende murimi ane mukurumbira.Vanorima vari kumaruwa ari padhuze neguta reGweru.Ivo VaChingwende vakazvarirwa kuMagwegwe.Ikoko kuMagwegwe ndiko kwavakakurira.Baba vaVaChingwende vaive gweta guru kuMagwegwe.Pashure vakazotamira kuguta reGweru.KuGweru ndiko kwavakadzdzira zvekurima.Vakadzidza zvekurima pachikoro ch... | nyora rondedzero yekuti murimi wandinoziva |
gwa gwe gwi gwo gwu | Magwiri gweta gwindiri magwere Chingwende gwinya gweme rugwaro Magwegwe gwai mugwagwa gwenhure gwesha gwishu gwenga Gweru | umba manzwi |
Ambuya Mavende | Ambuya vangu vanonzi VaMavende.Ambuya Mavende vane Mavende
Ndosaka vakapihwa zita rekuti VaMavende.Zvinonzi Ambuya Mavende vave nemakore akawanda ekuzvarwa.Vane makore anopfuura makumi mapfumbamwe.Ambuya Mavende vane ruzivo rwezvinhu zvakawanda.Pazororo rechikoro vakatitauirra zvemwedzi yegore.
Ambuya vakati, 'Mwedzi y... | ndinyorere rondedzero yekuti ambuya vangu, semwana ari mugiredhi yokutanga |
Mwedzi yechiposhi wegore unonzi Ndira.Pakutanga kwegore chikoro chinovhurwa mumwedzi waNdira.Mwedzi wechipiri wegore unonzi Kukadzi.Mumwedzi waKukadzi munonaya mvura yeguti.Mwedzi wechitatu wegore unonzi Kurume.Mumwedzi waKurume kunze kunofuma kwakati dhuma nemhute.Mwedzi wechina wegore unonzi Kubvumbi.Mumwedzi waKubvu... | nyora rondendzero yemwedzi yegore | |
mhepo____. | inovhuvhuta | zadzisa mutsara unotevera |
Motokari _____ ichifamba | inokuma | zadzisa mutsara unotevera |
Ngoma _____ ichiti pangu pangu | inorira | zadzisa mutsara unotevera |
Mvura yemurwizi ______ ichidzikira kuzasi | inoyerera | zadzisa mutsara unotevera |
Huku _____ kana kune koendza | inokukuridza | zadzisa mutsara unotevera |
Mombe _____ | inokuma | zadzisa mutsara unotevera |
Mureza wenyika unokosha.Mureza wenyika unoturikwa mazuva ese pachikoro.Mureza wenyika une mavara akasiyana-siyana.Mureza wenyika unoremekedzwa.Unoremekedzwa nokuti unomirira nyika yeZimbabwe.Ndosaka tichit mureza weZimbabwe unokosha | nyora rondedzero yekuti mureza wenyika | |
Ona vana vechikoro vamire muzasi memureza wenyika.Vana vari kuimba rwiyo rwenyika pamwe chete nevadzidzisi vavo.Vanoimba vakamira muzasi memureza wenyika mazuva ese.Rwiyo rwenyika runokosha.Nhasi mudzidzisi mukuru amire pamberi pevana vese nevadzidzisi | Nyora rondedzero yekuti Rwiyo rweNyika yeZimbabwe | |
Simudzai mureza wedu weZimbabwe
Yakazvarwa nemoto weChimurenga
Neropa zhinji ramagamba
Tiidzivirire kumhandu dzese
Ngaikomborerwe nyika yeZimbabwe.
Tarisai Zimbabwe nyika yakashongekdzwa
Namakomo, nehova, zvinoyevedza
Mvura ngainaye, minda ipe mbesa
Vashandi vatuswe,ruzhinji rugutswe;
Ngaikomborerwe nyika yeZimbabwe.
... | ndinyorere rwiyo rweNyika yeZimbabwe | |
Pashure mudidzisi mukuru anotaura kuvana nevadzidzisi.Anotaura achiti,'Makorokoto kwamuri mese vana! Zvino tasvika kumagumo kwegore redu rechikoro.Mese makadzidza zvakanaka
Mese makateerera vadzidzisi nevabereki venyu.Kubvira mumwedzi wekupedzisira wegore, mwedzi waZvita.Tose takashanda takabatana semhuri imwe chete.Mu... | nyora rondedzero yekuti Zvimwe zvatakaita mugore rino | |
Tasvika kumagumo | Zvino gore rapera.Tariro naMufaro vari kufara.Vapedza zvidzido zvemugiredhi rechiposhi.Gore rinotevera vachaenda mugiredhi rechipiri.Vachaverenga bhuku reGore Rechipiri.Amai nababa vavo vanofara. Shamwari dzavo dzese dziri kufara.Dziri kufara pamwe chete naMufaro naTariro.Sekuru nambuya vavo vanofara.
Pazororo rino Tar... | nyora rondedzero yekupera kwegore |
bveni
diro
mutiro | ndeapi mazita anoreva zvakafanana nagudo | |
zanda | nderipi zita rinoreva zvakafanana nazai | |
magwere
mabarwe | ndeapi mazita anoreva zvakafanana nachibage | |
jana | nderipi zita rinoreva zvakafanana nadzoro | |
mbatya | nderipi zita rinoreva zvakafanana nanhumbi | |
manhede | nderipi zita rinoreva zvakafanana nekuti maji | |
makundano
mapitse | ndeapi mazwi rinoreva vakafanana nekuti makwikwi | |
mabudazuva
mabvirazuva | ndeapi mazwi anoreva zvakafanana nekuti mabvazuva | |
mavirazuva
maviravira | ndeapi mazwi anoreva zvakafanana nekuti madokero | |
hanga gondo zizi jesa fudzamombe shuramurove nyenganyenga njiva dahwa hore shohori gora gunguwo rukodzi kondo dendera gwenhure nzembe | ndipe mazita eshiri dzemusango | |
shumba mbizi nhoro mbada nyati mvuu bveni garwe mbira tsuro mhara mhene nzou tsoko chiremwaremwa bere gora gava shindi mbeva nyoka njiri ngururu kamba/hamba | ndiudze mazita emhuka dzemusango |
Subsets and Splits
No community queries yet
The top public SQL queries from the community will appear here once available.